Luke 11

Jesu anodzidzisa kunyengetera

1Zvino zvakaitika achinyengetera pane imwe nzvimbo, apo amira, umwe wevadzidzi vake akati kwaari: Ishe, tidzidzisei kunyengetera, Johwani sezvaakadzidzisawo vadzidzi vake. 2Ndokuti kwavari: Kana muchinyengetera, muti: Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngariitwe dzvene. Ushe hwenyu ngahuuye. Chido chenyu ngachiitwe, panyikawo sezvachinoitwa kudenga. 3Mutipei zuva rimwe nerimwe kudya kwedu kwemazuva ese. 4Uye mutikanganwire zvivi zvedu, nokuti isuwo tinokanganwira ani nani ane ngava kwatiri. Uye musatipinza pakuedzwa, asi mutisunungure pakuipa.

Mufananidzo weshamwari yakatsungirira

5Akati kwavari: Ndeupi wenyu ane shamwari, uye anoenda kwaari pakati peusiku, akati kwaari: Shamwari, ndikwerete zvingwa zvitatu, 6nokuti shamwari yangu yasvika kwandiri ichibva parwendo, asi handina chinhu chandingamuperekera; 7uye uyo ari mukati akapindura akati: Usandinetsa; ikozvino mukova wapfigwa, nevana vangu vadiki vaneni pamubhedha; handigoni kumuka ndikakupa. 8Ndinoti kwamuri: Kunyange akasamuka akamupa, nekuda kwekuva shamwari yake, asi nekuda kwekutsungirira kwake achamuka akamupa zvese zvaanoshaiwa. 9Zvino ini ndinoti kwamuri: Kumbirai, muchapiwa; tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa. 10Nokuti wese anokumbira anogamuchira; neanotsvaka anowana; neanogogodza anozarurirwa. 11Kuti ndeupi wenyu ari baba, kana mwanakomana achikumbira chingwa, angazomupa ibwe? Kanawo hove, angazomupa nyoka panzvimbo yehove here? 12Kanawo kuti akakumbira zai, angazomupa chinyavada here? 13Naizvozvo kana imwi makaipa muchiziva kupa zvipo zvakanaka vana venyu, Baba vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene vanovakumbira.

Jesu anobudisa dhimoni

14Zvino wakange achibudisa dhimoni iro raiva chimumumu. Zvino zvakaitika kuti dhimoni rabuda, chimumumu chikataura; zvaunga zvikashamisika. 15Asi vamwe vavo vakati: Anobudisa madhimoni naBheerizebhuri mukuru wemadhimoni. 16Uye vamwe vachiidza, vakatsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga. 17Asi iye achiziva mifungo yavo wakati kwavari: Ushe hwese hunopesana huchizvipikisa hunoparadzwa; neimba inopikisana neimba inowa. 18Kana Sataniwo achipesana achizvipikisa, ushe hwake hungazomira sei? Nokuti munoti, ndinobudisa madhimoni naBheerizebhuri. 19Asi kana ini ndichibudisa madhimoni naBheerizebhuri, vanakomana venyu vanobudisa nani? Naizvozvo ivo vachava vatongi venyu. 20Asi kana ndichibudisa madhimoni nemunwe waMwari, naizvozvo ushe hwaMwari hwasvika kwamuri. 21Kana chikakarara chashonga zvombo chichirinda chivanze chacho, nhumbi dzacho dziri murugare; 22asi kana wakasimba kuchipfuura akachirwisa, akachikunda, anotora nhumbi dzacho dzese dzekurwa dzachange chichivimba nadzo, ndokugovera zvaapamba zvacho. 23Asina ini anopesana neni; neasingaunganidzi neni anoparadzira.

Kutendeuka kusingaperi

24Kana mweya wetsvina wabuda mumunhu, unofamba uchigura nemunzvimbo dzakawoma, uchitsvaka zororo; asi uchishaiwa unoti: Ndichadzokera kuimba yangu kwandakabuda. 25Zvino kana wasvika unowana yatsvairwa nekurongedzwa. 26Ipapo unoenda ndokutora pamwe naye imwe mweya minomwe yakaipa kuupfuura, ndokupinda ndokugaramo; uye kuguma kwemunhu uyo kwakaipa kupfuura kutanga.

27Zvino zvakaitika pakutaura kwake zvinhu izvozvi, umwe mukadzi pakati pechaunga akasimudza inzwi, akati kwaari: Rakaropafadzwa dumbu rakakutakurai, nemazamu amakayamwa. 28Asi iye akati: Hongu, asi zvikuru vakaropafadzwa vanonzwa shoko raMwari vachirichengeta.

Chiratidzo chemuporofita Jona

29Zvino kwakati kwaungana zvaunga zvakatsikirirana, akatanga kuti: Zera iri rakaipa; rinotsvaka chiratidzo, asi hakuna chiratidzo chichapiwa kwariri, kunze kwechiratidzo chaJona muporofita. 30Nokuti Jona sezvaakava chiratidzo kuVaNinivhi, saizvozvowo zvichaita Mwanakomana wemunhu kuzera iri. 31Mambokadzi wechamhembe achasimuka pakutongwa pamwe nevarume vezera iri akavapa mhosva; nokuti wakabva pamigumo yenyika kuzonzwa uchenjeri hwaSoromoni, zvino tarirai, mukuru kuna Soromoni ari pano. 32Varume veNinivhi vachasimuka pakutonga nezera iri, vakaripa mhosva, nokuti vakatendeuka pakuparidza kwaJona; zvino tarira, mukuru kuna Jona ari pano.

Mufananidzo wemwenje

33Hakuna munhu anoti kana atungidza mwenje anoisa pakavanda, kana pasi pedengu, asi pachigadziko chemwenje, kuti avo vanopinda vaone chiedza.

34Mwenje wemuviri iziso; naizvozvo kana ziso rako riri benyu, muviri wakowo wese uzere nechiedza; asi kana rakaipa, muviri wakowo une rima. 35Naizvozvo chenjera kuti chiedza chiri mukati mako chisava rima. 36Naizvozvo kana muviri wako wese uzere nechiedza, pasina rumwe rutivi rwune rima, uchazara nechiedza wese, sepaya mwenje uchikuvhenekera nekupenya.

Jesu anotuka VaFarisi nenyanzvi dzemutemo

37Wakati achitaura, umwe muFarisi akamukumbira kuti adye naye; akapinda, akagara pakudya. 38Zvino muFarisi wakati achiona, akashamisika kuti wakange asina kutanga ashamba asati adya chisvusvuro. 39Ishe ndokuti kwaari: Ikozvino imwi VaFarisi munonatsa kunze kwemukombe nekwendiro, asi mukati menyu muzere neupambi neuipi. 40Imwi mapenzi, heya wakaita kunze, haana kuita mukatiwo? 41Asi ipai sechipo kuvarombo izvo zvinhu zvemukati; zvino tarirai, zvese zvichava zvakachena kwamuri.

42Asi mune nhamo VaFarisi! Nokuti munopa chegumi cheminte* neruyi* nemiriwo yese, uye muchidarika mutongo nerudo rwaMwari; maifanira kuita izvi, nekusarega zvimwe.

43Mune nhamo VaFarisi! Nokuti munoda zvigaro zvepamusoro mumasinagoge, nekwaziso pamisika.

44Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti makafanana nemarinda asingaonekwi, uye vanhu vanofamba pamusoro pawo vasingazivi. 45Zvino umwe wenyanzvi dzemutemo wakapindura akati kwaari: Mudzidzisi, kana muchitaura izvi munotuka isuwo. 46Asi akati: Mune nhamowo imwi nyanzvi dzemutemo! Nokuti munoremedza vanhu nemitoro inorema kutakurwa, asi imwi momene hamubati mitoro iyi neumwe weminwe yenyu.

47Mune nhamo! Nokuti munovaka marinda evaporofita, uye madzibaba enyu akavauraya. 48Naizvozvo munopupura kuti munotenderana nemabasa emadzibaba enyu; nokuti ivo vakavauraya zvirokwazvo, imwiwo munovaka marinda avo. 49Naizvozvo uchenjeri hwaMwari hunotiwo: Ndichavatumira vaporofita nevaapositori, vamwe vavo vachauraya nekushusha; 50kuti ropa revaporofita vese rakateurwa kubva pakuvambwa kwenyika ritsvakwe pazera iri, 51kubva paropa raAberi kusvikira paropa raZakaria wakaparara pakati pearitari neimba yaMwari; hongu, ndinoti kwamuri: Richatsvakwa pazera iri.

52Mune nhamo, nyanzvi dzemutemo! Nokuti makabvisa kiyi yeruzivo; hamuna kupinda momene, nevaipinda makavadzivirira. 53Wakati achitaura zvinhu izvi kwavari, vanyori neVaFarisi vakatanga kuita daka naye zvikurusa, nekumubvunzisisa pamusoro pezvizhinji, 54vachimuteya, nekutsvaka kubata chinhu chinobuda mumuromo make, vagomupa mhosva.

Copyright information for Shona